Search

LIVRES NUMÉRIQUES ET LIVRES AUDIO GRATUITS

La Première Epître de Jean

Shona  15

Paul C. Jong Kukura paMweya Series 4 - Tsamba Yekutanga yaJohane (II)

Rev. Paul C. Jong | ISBN 9788928240838 | Pages 369

Téléchargez des livres numériques et livres audio GRATUITS

Choisissez votre format de fichier préféré et téléchargez-le en toute sécurité sur votre appareil mobile, PC ou tablette pour lire et écouter les collections de sermons n'importe quand et n'importe où. Tous les livres numériques et livres audio sont entièrement gratuits.

Vous pouvez écouter le livre audio via le lecteur ci-dessous. 🔻
Possédez un livre broché
Téléchargement gratuit de livres audio
Zviri Mukati
 
Zaruro 

CHITSAUKO 3
1. Mwari Wedu Uyo Akauya Kwatiri neRudo rweAgape (1 Johane 3:1-8) 
2. Ndechipi Chivi Chatisingafanire Kuita Pamberi paMwari? (1 Johane 3:9-16) 
3. Uyo Anochengeta Mirairo yaMwari Ndiye Anogara Maari (1 Johane 3:17-24) 

CHITSAUKO 4
1. Edzai Mweya Kuti Muone Kana Ichibva Kuna Mwari (1 Johane 4:1-6) 
2. Ko Tinofanira Kurarama Sei Kubvira Zvino? (1 Johane 4:7-13) 
3. Tinofanira Kugara muRudo rwaMwari (1 Johane 4:16-21) 

CHITSAUKO 5
1. Ko Zvokwadi Inotisunungura paZvivi Zvedu Zvese Ndeipi? (1 Johane 5:1-4) 
2. Ndevapi Vakaberekwa naMwari? (1 Johane 5:4-8) 
3. Ko Unotenda Kune Zvipi? (1 Johane 5:1-11) 
4. Ko Zvokwadi Yakatidzikinura paZvivi Zvedu Zvese Ndeipi? (1 Johane 5:1-12) 
5. Huchapupu Hwakasimba Hunotiponesa paZvivi Zvedu Zvese (1 Johane 5:8-13) 
6. Kana Hama Yako Ikaita Chivi Chisingaurayisi, Nyengetera Kuti Mwari Amupe Hupenyu (1 Johane 5:16-19) 
7. Ndiye Mwari Wechokwadi Nehupenyu Husingaperi (1 Johane 5:20) 
8. Kunyange Zvazvo Tisina Kukwanira Nguva Dzose, Rudo rwaMwari Rwakakwana Rwakatidzikinura paZvivi zveNyika (1 Johane 5:1-21) 
 
Kana uri muKristu wechokwadi, unofanira kuziva rudo rwaMwari zvakanyanya kudarika zvekungorava bedzi. Avo vanoziva uye nekudavira kuna Jesu seMuponesi wavo vanofanira kuziva rudo rwaMwari zvakasimba mukuregererwa kwavo kwezvivi uko kwakazadziswa kuburikidza neShoko reevhangeri yemvura noMweya. Tinofanira kuva vatendi vechokwadi veevhangeri ino kuti tigoziva rudo rwaMwari zvakadzama. Muevhangeri ino yechokwadi, rudo rwaMwari rwunozviratidza zvakasimba uye muhudzamu. Kana tichida kuziva Mwari serudo, ruzivo rwedu rwunofanira kubva kurudo rwaMwari rwakasimba kwatiri, urwo rwunoratidzwa muZvokwadi yeevhangeri yemvura noMweya. Ndipo bedzi patinogona kutungamirira vamwe kurudo rwaMwari rwechokwadi.
Mupostori Johane anopupura kuti Jesu Kristu, uyo akauya nemvura, neropa uye noMweya Mutsvene, ndiye Muponesi uye Mwari pachake. Donzvo reuchapupu hwake ndiro Zvokwadi yekuregererwa kwezvivi, inova yemvura, neropa uye noMweya.
Sezvazvakanyorwa muShoko raMwari, mvura inomirira bhapatidzo yaJesu iyo yaakagamuchira kubva kuna Johane Mubhapatidzi uye ropa rinomirira kutongwa kwaakagamuchira nekuda kwedu tese. Zvakare, huchapupu hweruponeso rwedu hunowanikwa muMweya Mutsvene, nemvura uye neropa (1 Johane 5:8). Hushumiri hwemvura, neropa uye noMweya Mutsvene ndehwaMwari, uhwo hwaakadzikinura nahwo vatadzi pazvivi zvavo.
Plus

Livres liés à ce titre

The New Life Mission

Participez à notre enquête

Comment avez-vous entendu parler de nous ?