Search

BUKU ELEKTRONIK DAN BUKU AUDIO GRATIS

Bidah

Shona  25

Vatsausi, Avo Vakatevedzera Zvivi zva Jerobhoamu (I)

Rev. Paul C. Jong | ISBN 9788928261352 | Halaman 340

Unduh buku elektronik dan buku audio GRATIS

Pilih format file yang Anda inginkan dan unduh dengan aman ke perangkat seluler, PC, atau tablet Anda untuk membaca dan mendengarkan kumpulan khotbah kapan saja dan di mana saja. Semua buku elektronik dan buku audio sepenuhnya gratis.

Anda dapat mendengarkan buku audio melalui pemutar di bawah ini. 🔻
Miliki buku cetak
Beli buku cetak di Amazon
Zviri Mukati
 
Zaruro 
1. Ko Vatsausi Ndevapi Pamberi paMwari (1 Madzimambo 11:1-13) 
2. Ndevapi vaKristu Vanodavira Kuna Jesu Mukati meKufunga Kwavo kweNyama? (1 Madzimambo 12:25-33) 
3. Kutevera Zvishuwo zveNyama Kunokuita Kuti Ushanduke Kuva Mutsausi Pakarepo (1 Madzimambo 12:1-18)
4. Ko Unodavira kuEvhangeri Ipi Zvino? (1 Madzimambo 13:33-34) 
5. VaKristu vaNhasi Uno Avo Vakatsiva Mwari nePfuma Ndivo Vanamati veZvifananidzo Pamberi paMwari (1 Madzimambo 11:1-13) 
6. Ko Mwari Anoponesa Vatsausi Sei? (1 Madzimambo 19:1-21) 
7. Munofanira Kutenda Kuti Johane Mubhapatidzi Ndiye Mumiriri weVanhu Vose (Mateo 11:1-19) 
8. Mhando Nomwe dzeVanhu Vachatukwa naMwari (Mateo 23:1-36) 
9. Natsai Mvura Yakaipa neMunyu (2 Madzimambo 2:19-22)
 

MuBhaibheri, vaIsraeri vaireva kuti vainamata kuna Mwari, asi pakupedzisira, vachitevedzera Jerobhoamu, vakatanga kunamata zvimhuru zvegoridhe. Pachokwadi, pazvikamu zviviri kubva pazvitatu zvenhoroondo yevaIsraeri zvakanga zviri nhoroondo yekunamata zvimhuru zvegoridhe, vachifunga kuti ndiMwari. Pakupedzisira, kunyange nazvino, vanoramba vachirarama vasingazive zvokwadi yekuti Jesu Kristu, uyo akauya neevhangeri yemvura noMweya, ndiye Muponesi wavo wechokwadi. Kunyange zvakadaro, kune vaJudha vazhinji vachakamirira Muponesi wavo, kunyange nazvino.
Ko munodavira uye nekutevera Mwari nekumunzwisisa kwakakwana here parizvino? Kana musingadaro, hamusi here kunamata zvimhuru zvegoridhe muchizvitora saMwari? Kana makadaro, bva munofanira kuziva zvokwadi yekuti muri kunamata chifananidzo pamberi paMwari sezvakaita vaIsraeri. Munofanira kubva madzoka kuti musangane naIshe uyo akauya neevhangeri yemvura noMweya. Ndine chokwadi kuti muchakwanisa kudavira kuZvokwadi yeevhangeri kana muchinge maziva zvomene pamberi paMwari kuti Zvokwadi yeruponeso muevhangeri yemvura noMweya chii, handizvo here?
Ndinoshuwira kupa huchapupu pamberi penyu hwekutenda kwechokwadi uye neZvokwadi pasi pemusoro webhuku unoti, “Vatsausi, Avo Vakatevedzera Zvivi zvaJerobhoamu.” Ndinovimba kuti muchava vanhu vekutenda kumwechete nekwangu. 
Lebih

Buku-buku yang terkait dengan judul ini

The New Life Mission

Bagaimana Anda mengetahui tentang kami?

Bagaimana Anda mengetahui tentang kami?