Search

BUKU ELEKTRONIK DAN BUKU AUDIO GRATIS

Yesus Kristus dan Yohanes Pembaptis

Shona  21

Kudyidzana kweHushumiri hwaJESU nehwaJOHANE MUBHAPATIDZI Kwakanyorwa muEvhangeri Ina

Rev. Paul C. Jong | ISBN 9788928240401 | Halaman 401

Unduh buku elektronik dan buku audio GRATIS

Pilih format file yang Anda inginkan dan unduh dengan aman ke perangkat seluler, PC, atau tablet Anda untuk membaca dan mendengarkan kumpulan khotbah kapan saja dan di mana saja. Semua buku elektronik dan buku audio sepenuhnya gratis.

Anda dapat mendengarkan buku audio melalui pemutar di bawah ini. 🔻
Miliki buku cetak
Beli buku cetak di Amazon
Zviri Mukati
 
Zaruro 
1. Unofanira Kuziva Uye Nekutenda kuHushumiri hwaJohane Mubhapatidzi (Marko 1:1-2) 
2. Johane Mubhapatidzi Aisava Mukoniwi (Mateo 11:1-14) 
3. Johane Mubhapatidzi Uyo Akauya neNzira Yekururama (Mateo 17:1-13) 
4. Tarisai Hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi! (Ruka 1:17-23) 
5. Ngatifadzwe neKubwinya kwaMwari (Johane 1:1-14) 
6. Ko Unoziva Hushumiri hweVaranda Vaviri vaMwari Here? (Johane 1:30-36) 
7. Nemhaka Yei Jesu Akabhapatidzwa? (Johane 3:22-36) 
8. Paridzai Evhangeri yeZvokwadi Uye neChiito chaJesu cheKururama (Mateo 3:1-17) 
9. Hukama Pakati peBasa raJohane Mubhapatidzi neEvhangeri yeYananisiro paZvivi Zvedu (Mateo 21:32) 
10. Jesu Uyo Akauya Kuzodzima Zvivi Zvako (Mateo 3:13-17) 
11. “Tarira, Ndichatuma Nhume Yangu” (Marko 1:1-5) 
12. Ngatitendei Kuna Jesu Tichinzwisisa Johane Mubhapatidzi (Ruka 1:1-17) 
 
 
Testamende Itsva inotanga neEvhangeri Ina, dzinoti Evhangeri yaMateo, Marko, Ruka naJohane. Evhangeri Ina dzose idzi dzakabata pamwe nekunyora nezvehushumiri hwaJohane Mubhapatidzi zvakazara. Chikonzero ndechekti uhu hushumiri hwakakosha kwazvo. Kana pasina kunzwisisa hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi, hatingagoni kureva kuti tinoziva hushumiri hwaJesu Kristu.
Kana zvakadaro, tinogona kuzvibvunza tichiti, “Ko hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi hwakanyorwa muEvhangeri Ina hwakanyanyokosha zvakadaro here?” Jesu, achidoma Johane Mubhapatidza, akataura achiti, “Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya” (Mateo 11:14). Naizvozvo, Johane Mubhapatidzi akanga ari munhu akazvarwa panyika pano kuti abate basa rakasanangurwa. Jesu akati zvakare, “Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, umambo hwekudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora” (Mateo 11:12). Ichi ichokwadi nekuti Johane Mubhapatidzi akaberekwa panyika pano, uye paakabhapatidza Jesu Kristu, zvivi zvenyika ino zvakatambidzwa kwaari. Saizvozvo, Jesu akakwanisa kutora zvivi zvenyika ino kamwechete. Kuburikidza nekutendera kuti izvi zviitike, Ishe vakatendera vaya vanotenda kuevhangeri yaJohane Mubhapatidzi uye nehushumiri hwaJesu kuti vapinde Denga kuburikidza nekugamuchira kushambidzwa kwezvivi. Iyi ndiyo dudziro iri mukati meMagwaro kubva mundima yeEvhangeri yaMateo chitsauko 11, vhesi 12-14.
Ko unotenda kuti evhangeri yemvura noMweya ndiyo zvokwadi here? Kana uchitenda, zvinoreva kuti unoziva nezvehushumiri hwaJohane Mubhapatidzi uye nehushumiri hwaJesu zvakazara. Asivo, vaKristu vazhinji vasinganzwisisi hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi havazive evhangeri yezvokwadi yemvura noMweya uye vanorarama hupenyu hwavo hwekutenda vachitevedza zvishuwo zvenyama yavo bedzi. Kuburikidza nekusaziva, vanhu vakadaro havatomboedze kuda kuziva hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi iyo yakanyorwa muEvhangeri Ina. Naizvozvo, panguva refu yose iyi, hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi hwakanga huchitarisirwa pasi kunyange nepakati pevaKristu vanozviti ivo vanotenda kuna Jesu. Zvichida nokuda kwechikonzero ichi, ndakaona kuti hakuna vanhu vazhinji vane dokwairo yehushumiri hwaJohane Mubhapatidzi mazuva ano. Saizvozvo, vanhu vane chiwanzo chekushoora avo vane chido nekunzvera nhau iyi. Chikonzero ndechekuti vanhu vazhinji vakanga vasingacherechedzi hushumiri hwaJohane Mubhapatidzi uye nehushumiri hwaJesu kwenguva refu kwazvo.
Lebih
Pemutar buku audio

Buku-buku yang terkait dengan judul ini

The New Life Mission

Bagaimana Anda mengetahui tentang kami?

Bagaimana Anda mengetahui tentang kami?